Exodus 25

Zvipiriso zveTabhenakeri

1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape.

3“Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari:

“goridhe, sirivha, ndarira;
4wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka;
makushe embudzi;
5matehwe amakondobwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa;
matanda omuunga;
6mafuta omuorivhi emwenje;
zvinonhuhwira zvemafuta okuzodza anonhuhwira uye nezvimwe zvinonhuhwira;
7mabwe eonikisi nezvimwe zvinokosha zvinofanira kuiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.

8“Ipapo uite kuti vaite nzvimbo yangu tsvene, uye ini ndichagara pakati pavo. 9Muite tabhenakeri iyi nemidziyo yayo yose nomufananidzo wandichakuratidza.

Areka

10“Uite kuti vaite bhokisi ramatanda omuunga, rakareba makubhiti maviri nehafu
mamita angaita 1.1
, upamhi kubhiti nehafu
0.7 yemita
, uye kubhiti nehafu pakukwira.
11Murifukidze negoridhe rakaisvonaka, mukati nokunze, uye muite hata yegoridhe yakaripoteredza. 12Muiumbire mhete ina dzegoridhe mugodzisungira pamakumbo aro mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye mhete mbiri kuno rumwe rutivi. 13Ipapo mugoita matanda omuunga uye negoridhe. 14Muise matanda aya mukati memhete dziri parutivi rwebhokisi kuti mutakure bhokisi nawo. 15Matanda anofanira kugara ari mumhete dzebhokisi iri; haafaniri kubviswa. 16Ipapo mugoisa muareka chipupuriro, chandichakupai.

17“Muite chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu
mamita angaita 1.1
pakureba uye kubhiti nehafu
0.7 yemita
paupamhi.
18Uye muite makerubhi maviri egoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro. 19Muite kerubhi rimwe chete kuno rumwe rutivi uye kerubhi rechipiri kuno rumwe rutivi; muite bandi rimwe chete rekerubhi nechifukidzo, pamativi maviri. 20Mapapiro amakerubhi anofanira kutambanudzirwa kumusoro, akafukidzira chifunhiro. Makerubhi anofanira kutarisana, akatarira kuchifunhiro. 21Muise chifunhiro pamusoro peareka uye mugoisa muareka, Chipupuriro chandichakupai. 22Ipapo, pamusoro pechifunhiro chiri pakati pamakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro, ndichasangana newe ndigokupa mirayiro yangu yose yavaIsraeri.

Tafura

23“Uite tafura namatanda omuunga yakareba makubhiti maviri
0.9 yemita
, kubhiti rimwe chete
0.5 yemita
paupamhi uye kubhiti nehafu
0.7 yemita
pakukwirira.
24Muifukidzire negoridhe rakaisvonaka uye mugoipoteredza nezvakaumbwa zvegoridhe. 25Uyewo uite vhiri rinoipoteredza rino upamhi hwakaita sechanza choruoko
masendimita angaita 8
ugoisa goridhe rakaumbwa pamusoro pevhiri.
26Uite mhete ina dzegoridhe dzetafura ugodzisungira kumakona mana, pane makumbo ayo. 27Mhete idzi dzinofanira kuva pedyo nevhiri kuti dzibate matanda anoshandiswa kutakura tafura. 28Uite matanda omuunga, uafukidze negoridhe uye mugotakura tafura nawo. 29Uye uite ndiro dzayo namadhishi negoridhe rakaisvonaka, uyewo namatende ayo nembiya dzokudirisa zvipiriso. 30Uise chingwa choKuratidza patafura iyi kuti chive pamberi pangu nguva dzose.

Chigadziko choMwenje

31“Uite chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye ugoipambadzira pasi payo pamwe chete nerwiriko rwayo; mbiya dzayo, mabukira namaruva acho zvichava chinhu chimwe chete nacho. 32Matavi matanhatu anofanira kutambarara achibva mumativi echigadziko chomwenje, matatu kuno rumwe rutivi uye matatu kuno rumwezve. 33Mikombe mitatu yakaumbwa samaruva omuarimondi namabukira uye namaruva zvinofanira kuva padavi rimwe chete, matatu kune rimwe davi, uye zvimwe chetezvo kumativi matanhatu ose anotambarara kubva pachigadziko chomwenje. 34Uye pachigadziko chomwenje panofanira kuva nemikombe mina yakaumbwa samaruva omuarimondi ane mabukira namaruva. 35Bukira rimwe chete richava pasi pamatavi maviri okutanga anotambarara kubva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri riri pasi pamamwe matavi maviri, uye bukira rechitatu riri pasi pamamwezve pamatavi maviri, mativi ose ari matanhatu. 36Mabukira namatavi achava ebandi rimwe chete nechigadziko chomwenje, negoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.

37“Ipapo ugoita mwenje yacho minomwe uye ugoigadzika pamusoro pacho kuitira kuti zvigovhenekera nzvimbo iri mberi kwacho. 38Mbato dzacho nendiro dzacho zvinofanira kuva zvegoridhe rakaisvonaka. 39Tarenda
makirogiramu angaita 34
regoridhe rakaisvonaka rinofanira kushandiswa pachigadziko chomwenje nemimwe midziyo yose iyi.
40Uone kuti wazviita zvichienderana nomufananidzo wawakaratidzwa pagomo.

Copyright information for SnaBDSC